Bhaibheri

Akavagamuchira Vachinge Mupiro

Catholic · Nziyo · 10

T.I. Muvingi

Chorus

M: S/A Akavagamuchira vachinge mipiro inopiswa ... V: S/A Mweya yevakarurama iri mumaoko aMwarii-i... Hapana dambudzo rinovawana ... Kufa kwawo kwaionekwa senhamo, kutisiya sokuparadzwa nyamba ivo vakatogarika B Mweya yavakarurama iri mumaoko aMwari ... Hapana dambudzo rinovawana ... Kwavo kwaionekwa senhamo ... Kutisiya sokuparadzwa nyamba ivo vakatogarika

1

Nezuva rokushanyirwa kwavo vachapenya.

2

Vachiita zvinoita mapfarivari anovarika-rika.

3

Murwi wamashanga uri kutsva.

4

Vasarudzwi vake vachagara nhaka yomwoyochena netsitsi.

5

Mwari ari Mambo wavo nokusingaperi

Chorus

S/A Kunetsekana kashoma kwavakangoita --- vava kugamuchira makomborero, Mwari akavawana vakakodzerana naye B Kunetsekana kashoma kwavakangoita asi zvino --- kugamuchira makomborero makuru Mwari akavawana vakakodzerana naye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.