J.L.Kaseke Chaleka
Chorus
M: S/A (a) Yesu anovimbisa kuuya kwaMweya Mutsvene (b) Munyaradzi Mweya Mutsvene V: S/A Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu, kwangosara chinguva chiduku, nyika haichazondioni, handingakusi-yi muri nherera, ini ndichakumbira Baba, kuti vakupei Munyaradzi, anozogara nemi kusvikira rini narini. B --- Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu --- kwangosara chinguva chiduku, hai-chazondioni nyika --- kusi-yi muri nherera --- ndichakumbira Baba, va-kupei Munyaradzi --- nemi, kusvikira rini narini
1
Nezuva iroro ndipo pamuchaziva kuti ini ndiri muna Baba vangu imi muri mandiri
2
Munhu ane mirayiro yangu akaichengeta ndiye anondida, iyeye achadikanwawo naBaba vangu
3
Mweya Munyaradzi achatumwa naBaba muzita rangu, ndiye achakudzidzisai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri
4
Zvino ndafanokuudzai zvinhu izvi, zvisati zvaitika kuti zvoitika imi mugotendera
Chorus
S/A Handingakusiyii muri nherera, ini ndichakumbira Baba kuti vakupei munyaradzi anozogara nemi kusvikira rini narini B --- Kusiyii muri nherera --- ndichakumbira Baba vakupei munyaradzi, nemi, kusvikira rini narini
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.