V. Kudumba
Chorus
M: S Yesu anovimbisa kuuya kwaMweya Mutsvene V: S/A Kana muchi-ndida muchachengeta mirairo yangu, i-ni ndichakumbira kuti Baba vakupei mweya munyaradzi-warini narini B --- Kana muchi-ndida --- muchachengeta mirairo yangu ini ndichakumbira Baba kuti vakupei Mweya munyaradzi – warini narini
1
Imi munomuziva nokuti munogara naye.
2
Handingakusiyii muri nherera ndichauya kwamuri.
3
Imi muchagara muchindiona nokuti ndiri mupenyu.
4
Nezuva iroro ndipo pamuchaziva kuti ndiri muna Baba vangu.
5
Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika ndinokusiyirai rugare.
6
Iye Mweya anoera achatumwa muzita rangu ndiye Mweya wechokwadi.
7
Achakuyeuchidzayi ndiye Mweya wechokwadi.
8
Ndakafanokudzai zvisati zvaitika kuti kana zvoitika muzotenda.
Chorus
S/A Va-nhu havagoni kugamuchira --- nokuti havamuoni, u-ye havamuzivi. B --- Vanhu havagoni kugamuchira Mweya wechokwadi, Mweya, Mweya munyaradzi --- havamuzivi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.