Bhaibheri

Yesu Ndiye Nzira Inoenda Kuna Baba

Catholic · Nziyo · 1176

J.V. Chinondo

Chorus

M: S/A Yesu ndiye nzira inoenda kuna Baba V: S/A I-ni ndini nzira, ndini chokwadihi, ndini upenyu-u hakuna – munhu anosvika kuna Baba vangu asingasviki-hi nokwandiri – ini-ihi, ndini nzira, ndini chokwadi, ndini upenyu. B/T --- Ndini nzira, ndini chokwadi, ndini upenyu-u, hakuna – hakuna munhu asingasviki-i nokwandiri-i i-ni ndini nzira ndini chokwadi ndini upenyu.

1

Ini ndiri muna Baba naBabawo vari mandiri.

2

Munhu anenge aona ini atoonawo Baba vangu.

3

Kana zvisizvo – imi nditenderei pamusoro pamabasa pachawo.

4

Chiri chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu ini ndichachiita.

5

Izvi ndichazvi-ita kuti mbiri yaBaba vangu igoonekwa nemandiri.

6

Mashoko andinoreva kwamuri handiarevi ini asi ivo Baba vakandigara.

Chorus

S/A Tenderai mandiri, mugotenderawo muna Baba vangu – dai makanga muchindiziva mungadai maivazivao – imi makandiona naBaba vangu makatovaonao. B/T Tenderai – tenderai mandiri – dai makanga muchindiziva mungadai maivazivao – imi makandiona – makatovaonao.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.