C. Tarwirei
Chorus
M: Yesu ndiye nzira yedu V: All Ndiyo nzira yedu Yesu yakanangisa kudenga kumusha wedu mukuru kwatichafara tose narini
1
Upenyu hwedu hupfupi hunopfupikiswa norufu
2
Rufu musuwo wedenga inzira yokuupenyu
3
Inzira yokuupenyu isingatyiwi nouyo anofa nenzira kwayo
4
Mhodzi inotanga yafa kana ichida kumera isu tinotanga tafa kana tichida kumuka
5
Isu tinotanga tafa kana tichida kumuka
6
Tiri venyu pano pasi patakavaka tumatumba twedu
7
Ngatiende kuuzuru kumusha usina matumba
8
Denga musha wakanaka musha wavatsvene voga
9
Haupindi vakaipa vane zvivi
Chorus
S/A Kufa murawo waMwari hauna waunosiya, ngatigadzirire tose nguva isati yasvika tirege kuzovhunduka musi watichadaidzwa B Kufa waMwari kufa waunosiya, ngatigadzirire tose nguva isati yasvika tirege kuzovhunduka musi watichadaidzwa
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.