Bhaibheri

Zuva Rokutonga KwaTenzi Rava Pedyo

Catholic · Nziyo · 1210

A. Munyanyi

Chorus

Part 1: M: S/A Zuva rokutonga kwaTenzi rava pedyo V: S/A Zvanzi naTe-enzi ndichaparadza zvose zviri pasi pano, vanhu vose vakaipa hakunazve achazosara --- i-ni Tenzi ndi-ni ndazvitaura-a B Zvanzi naTenzi ndichaparadza zvinhu zvose zviri pasi pano, vose vakaipa hakuna achazosara ini Tenzi --- ndini ndazvitaura-a

1

Ndichaparadza munhu wose anokwira pamusoro pemba achinamata zuva, mwedzi, nenyenyedzi-i

2

Ndichaparadza vaya vanondinamata vanotsidza kuti vanondida asi shure kwezvo-o voitira zvimwe zvimwari miteuro

3

Ndichaparadza vaya vakadududza vasingachadi kunditevera vaya vasingadi kuuya kwandiri-i Part 2:

Chorus

M: Rava pedyo pedyo zuva iro-o x2 S/A Rava pedyo pindukirai kuna Tenzi pindukai nguva ichiripo-o B --- Rava pedyo pindukirai kuna Tenzi pindukai nguva ichiripo-o

4

Itai zvakarurama muzvirereke pamberi paTenzi rava pedyo pedyo zuva iro-o

5

Pasi pachaparadzwa nomoto wokutsamwa kwaTenzi rava pedyo zuva iro

6

Funga zvakanaka pinduka usati wafa zuva rokuratidza kutsamwa kwake risati rasvika-a

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.