Fr. J. Dandiro
Chorus
M: S/A Zvino mubairo woukundi wakandimirira Mubairo woukundi wakandimirira V: S/A Nokuti nesimba rashe Jesu, romweya wake ndakarwisa ndikakunda, hondo dzomweya dzapasi uye ndakachengeta chitsidzo chaTenzi chechitendero, ndokumhanyawo mumapitse ose, ndikapedza zvakanaka chinhambwe, chamabasa ashe, chandakatemerwa naJesu-u. B Nokuti nesimba rashe Jesu, nesimba rake ndakarwisa ndikakunda, ho-ondo dzomweya dzapasi ndakachengeta chitsidzo chaTenzi chechitendero, ndokumhanyawo mumapitse ose, ndikapedza zvakanaka chinhambwe, chamabasa, chandakatemerwa naJesu-u.
1
Tenzi akamira neni ondisimbaradza nomweya wake, achindiita muromo wake wokuparidza dama.
2
Kuti dama rake rakanaka rorugare, rigosvika kundudzi dzose.
3
Mwari samasimba achandinunura, mukuranganwa kwandichaitwa navavengi.
4
Tenzi achandiponesa, uye achandisvitsa, kumbiri yake, mbiri yokudenga-a
5
Mwari Baba vakudzwe nokurumbidzwa nokusingaperi, pamwe naKristo Tenzi nyakutumwa-a.
Chorus
S/A Handisiri ndoga, ndoga ndichapembedzwa naMambo, ndoga ndichatuswa zvakadai nashe, asi navamwe vose vatendi, vaya vakatsunga vanosuwira, zvokuuya kwaJesu, namasimba nembiri yake. B --- ndoga muKristo, ndichapembedzwa, handisiri ndoga ndichatuswa zvakadai nashe, asi navamwe vose vatendi, navasarudzwi vakatsunga vanosuwira, zvokuuya kwaJesu, Tenzi achipenya nembiri yake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.