Bhaibheri

Alleluya Tazvarirwa Mwana

Catholic · Nziyo · 15

S. Shiri

Chorus

M: Alleluya tazvarirwa mwana Tazvarirwa mwana V: S/A Ndiye Mambo, ndiye Mambo Mambo wamarudzi ose B Ndiye Mambo wamarudzi Mambo wamarudzi ose

1

Imbirai Mambo rwiyo rutsva nokuti wakaita zvinhu zvose.

2

Akazivisa kuponesa kwake akaratidza pachena kururama kwake pamberi. pamarudzi ose.

3

Pururudzirai Mambo pasi pose imbai nziyo dzokurumbidza.

4

Akarangarira ngoni dzake nokutendeka kwake kunesu.

5

Danidzirai muimbe nomufaro makomo ngaaimbe pamberi paMwari.

6

Migumo yapasi pose yakaona ruponeso rwaMwari wedu.

Chorus

All Ndiye Mambo, Mambo wamarudzi ose

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.