Bhaibheri

Ini Ndini Muhwaini Wechokwadi

Catholic · Nziyo · 156

J.V. Chinondo

Chorus

M: S/A Ini ndini muhwaini wechokwadi Ndini muhwaini wechokwadi V: S/A Ini ndini muhwaini wechokwadi --- ndimi matavi Baba vangu vanopazurira davi rimwe nerimwe kuti rigobereka michero yakawanda B --- Muhwaini wechokwadi imi --- matavi murimi --- vanopazurira davi rimwe nerimwe kuti rigobereka michero yakawanda

1

Imi makatonatswa neshoko randakareva kwamuri

2

Garai mandiri ini ndigogarawo mamuri

3

Kana davi risingagari pamuhwaini harigoni kubereka michero

4

Naizvozvo imi hamungabereki michero kana musingagari mandiri

5

Nokuti kana musingagari neni hapana chinhu chamungagone kuita

6

Munhu asingagari mandiri anorasirwa kunze sedavi ndokuoma

7

Zvino matavi akadaro anounganidzwa okandwa mumoto ndokutsva

8

Kana muchigara mandiri namashoko angu achagarawo mamuri

9

Kumbirai henyu zvamunoda muchazviitirwa

Chorus

All Baba vangu vanopazurira davi rimwe nerimwe rinobereka michero kuti rigonyanyo kubereka michero yakawanda

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.