Bhaibheri

Inzwai Kuchema Kwangu

Catholic · Nziyo · 159

J. Madondo

Chorus

M: Inzwai kuchema kwangu ndipembedzei Mwari V: S/A Kupembedzwa kwangu ngakubve kwamuri onai zvinhu zvakanaka pandiri rerekerai nzeve dzenyu kumikumbiro yangu imi Tenzi Mwari wangu muteerere kuchema kwangu. B Kupembedzwa kwangu ngakubve kwamuri Mwari wangu --- zvinhu zvakanaka pandiri rerekerai nzeve dzenyu kumikumbiro --- Imi Tenzi Mwari wangu teererai kuchema kwangu

1

Ndinodaidzira kwamuri imi Mwari nokuti munondipindura Tenzi tereerai kuchema kwangu, ratidzai nyasha dzenyu

2

Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri Tenzi, munzwe kuchema kwangu, ratidzai nyasha dzenyu

3

Nunurai hupenyu hwangu kuvanhu vakaipa, ndifambisei mumakwara enyu oururami, ratidzai nyasha dzenyu

Chorus

S Ratidzai nyasha, nyasha dzenyu ---mununure hupenyu hwangu Mwari simukai Tenzi simukai mundivanze mumumvuri wenyu ndizvengesei kunzira dzomuparadzi mununure hupenyu hwangu A Ratidzai nyasha, ratidzai nyasha, nyasha dzenyu ---mununure hupenyu hwangu Mwari simukai Tenzi simukai mundivanze mumumvuri wenyu ndizvengesei kunzira dzomuparadzi mununure hupenyu hwangu B Ratidzai nyasha nyasha dzenyu mununure hupenyu simukai Tenzi ndinzwireiwo tsitsi mundivanze mumapapiro enyu ndizvengesei Tenzi kuvanhu vakaipa, nunurai hupenyu hwangu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.