C. Chawasarira
Chorus
M: Ini ndinokurumbidzai Mambo V: S/A Nomweyo wangu wosee – mweya wanguwo unopembereraha --- muponesi wangu B Nomweyo wangu wosee – mweya wanguwo unopembereraha – Mwari muponesi wangu
1
Ini ndinokurumbidzai Mambo nomwoyo wangu wose, nokuti wakatarisa
2
netsiye nyoro muranda nhando wake
3
Chionai kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi, nokuti Samasimba wakandiitira zvinhu zvikuru zita rake rinoera
4
Anonzwira tsitsi avo vanomutya kubvira chizvarwa nechizvarwa
5
Anoita zvina masimba noruoko rwake anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo
6
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo achisimudzira vanhu nhando
7
Vanenzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka vapfumi anovaendesa vasina
8
Wakabatsira Israeri muranda wake sezvaakatsitsidzira madzibaba edu
9
Akayeukawo tsitsi dzake kunaAbrahama nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.