J V. Chinondo
Chorus
M:S/A Alois naAgnes vasande V:S/A Agnes Musande wakafira utsvene newe Alois Musande wakafa uri mutsvene ndinokusarudzai nhasi muve vachengeti vangu navarevereri kuna Mwari B/T --- Musande wakafira utsvene Alois Musande wakafa uri mutsvene ndinokusarudzai nhasi muve vachengeti vangu navarevereri vangu kuna Mwari
1
Hapana munhu angachengeta hutsvene hwake asinganamate.
2
Itai kuti ndive munhu anotya Mwari anotya Mwari.
3
Ndikumbirireiwo kuna Mwari kuti ndiwane gomborero rake.
4
Maria Muvirigo Musande ndireverereiwo ndireverereiwo kuna Mwari.
Chorus
S/A Imi makachengeta utsvene hwenyu makazvipira kuna Mwari ndibatsireiwo kuti ndide Mwari ndigonamata zvakanaka sezvai-i-i-ta Yesu Kristo B/T --- makachengeta utsvene --- i-i-mi makazvipira kuna Mwari --- kuti ndide Mwari-i --- sezvai-i-i-ta Yesu Kristo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.