J.K. Dzingai
Chorus
Part 1: M: Josefa Musande makanaka V: S/A Ndinoda kuti muve shamwari yangu yapamwoyo, ndinokukudzai, somuranda waMwari Baba, nomuchengeti waYesu Kristo, nomurume waMaria Musande B/T Ndinoda kuti muve shamwari yangu yapamwo-yo, ndinokukudzai somuranda waMwari, Baba - nomuchengeti waYesu nomurume --- waMaria Musande M: Ndinokukudzai Josefa V:S/A/T Tinokukudzai somurevereri, wedzimhuri nomurevereri wesangano nomuchengeti wavashandi B Josefa tinokukudzai – Josefa tinokukudzai, Josefa Part 2: M: Mweya wangu V: S/A Ndinoisa mweya wangu nenyama yangu mumaoko enyu, ndidzivirireiwo kurutadzo rwose ndibatsireiwo kuda Mwari nomwoyo wangu wose, nokudawo kwangu norudo rwaMwari sezvamaiita B/T Mweya wangu nenyama yangu – ndidzivirirei, ndibatsireiwo kuda Mwari ... nomwoyo wangu, norudo rwaMwari – sezvamaiita
1
Ndipeiwo rudo rwakadzika kuna Yesu naMaria
2
Zvikuru sei ndichigamuchira komuniyone sande uye ndichiita rusariro
3
Josefa Musande makanaka ndibatsire kuchengeta mweya wangu
4
Kuti rimwe zuva ndigogona kuzokuonai muri pamwe chete naMwari namai Maria kudenga
5
Nomuminyengetero yenyu mhuri yedu inogona kuzofara nemhuri sande kudenga kwemisi isingaperi
6
Josefa musande mutireverere – Amen
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.