Bhaibheri

Josefa Musande Muchengeti Wemhuri

Catholic · Nziyo · 187

F.E. Shara

Chorus

M: Josefa Musande muchengeti wemhuri V: S/A Ndinoda kuti – shamwari yangu yapamoyo ndinokukudzai – waMwari Baba B: Ndinoda kuti muve shamwari yangu --- yapamoyo --- somuranda waMwari Baba

1

Ndidzivirireiwo kurutadzo ndibatsireiwo kuda Mwari - kuda wokwangu nomoyo wangu wose

2

Ndipeiwo rudo rwakadzika kuna yesu naMaria zvikuru sei, ndichiita rusariro- uye ndichigamuchira kominioni sande

3

Nomuminyengetero yenyu mhuri yedu igozofara nemhuri kudenga kwemisi isingaperi Amen

Chorus

S/A Ndibatsireiwo kuchengeta mweya wangu kuti rimwe zuva ndigogona kuzokuonai - kudenga pamwe naMwari Baba namai Maria Muvirigo B: Ndibatsirei ndibatsirei-wo rimwe zuva ndigogona, ndigogona, kuzokuonai kudenga, pamwe naMwari Baba, Mwari Baba, Maria Muvirigo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.