Bhaibheri

Ko Munotambudzika Nemhosva Yeyi

Catholic · Nziyo · 199

B.B. Mutize

Chorus

M: Ko munotambudzika nemhosva yeyi V: S/A Ko munotambudzika muchidaro nemhosva yeiko-o Mibvunzo yakadaro inomukireiko mupfungwa dzenyu Onai maoko angu aya, onai tsoka dzangu ndidzodzi Munotambudzika nemhosva yeiko B Munotambudzika nemhosva yeiko-o Ko mibvunzo inomukireiko mupfungwa dzenyu Maoko angu aya, tsoka dzangu ndidzodzi Munotambudzika nemhosva yeiko

1

Ipapo akabva azarura pfungwa dzavo kuti vanzwisise magwaro

2

Yesu ndokuti kwavari izvi ndizvo zvakanyorwa kuti Kristo achatambudzika agomuka mukufa nezuva rechitatu

3

Uye kuti kupinduka nokuregererwa kwezvitadzo zvigoparidzirwa kundudzi dzose dzavanhu, kuparidza ikoko kuchitanga muJerusarema

4

Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvozvi

5

Inzwai ini ndini ndichandokutumirai zviya zvamakatsidzirwa naBaba wenyu

6

Asi imi rambai mugere muguta muno, kusvikira mazogarwa nesimba iroro rinobva kumusoro-soro

Chorus

S/A Aya ndiwo mashoko andaikuudzai, zvose zvinofanirwa kuitika zvakanyorwa pamusoro pangu mumurairo waMoses nomuzvinyorwa zvamaprofita, nomunziyoo B Mashoko andaikuudzai ndichiti --- zvinofanira kuitika-a zvinofanira kuitika nomuzvinyorwa zvamaprofita nomunziyoo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.