B. Makonese
Chorus
M: Kristo Mambo mununuri tinokurumbidzai Kudavira & Chorus: All Kristo Mambo mununuri tinokurumbidzai tinokuomberai imi makaomberwa navadiki vachiti 'Hosana Hosana Hosana'
1
Vangere vari kukurumbidzai kuuzuru, vanhu nezvisikwa zvose zviri kubvumira.
2
VaHebero vakakupembererai nemashizha isu tinokupembererai nenziyo dzedu.
3
Vakakupembererai imi musati matambudzika, isu tinokupembererai imi makamuka.
4
Mambo imi munofarira zvakanakisisa, tambiraiwo minamato yedu yatinopira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.