Bhaibheri

Kunyangwe Zvino Tenzi Anoti

Catholic · Nziyo · 228

Ruvadiki Kamundiya

Chorus

M: S/A Kunyangwe zvino Tenzi anoti V: S/A Pindukirai kwandiri nomwoyo wose Tsanyai zvokudya muchichema nekusuwa Mwoyo yenyu ngairatidze kusuwa kwenyu Murege kubvarura hanzu dzenyu chete muchiti zvakwana Dzokerai kuna Tenzi Mwari wenyu Iye ane tsitsi-i uye azere nenyasha B Pindukai nomwoyo wose Tsanyai zvokudya muchichema nekusuwa Mwoyo yenyu ngairatidze kusuwa kwenyu Murege kubvarura hanzu dzenyu chete muchiti zvakwana Dzokerai kuna Tenzi Ane tsitsi, uye azere nenyasha

Chorus

S/A Dzokerai kuna Tenzi Mwari wenyu Iye ane tsitsi-i uye azere nenyasha B Dzokerai kuna Tenzi Ane tsitsi, uye azere nenyasha

1

Anochengetedza chitsidzo chake, uye haakurimidzi kutsamwa

2

Akamirira kusunungura asingarangi

Chorus

S/A Ridzai hwamanda pagomo re-Ziyoni Sarudzai zuva rokutsanya muunganidze vanhu Vagadzirire kuita ungano tsvene B Ridzai hwamanda pagomo re-Ziyoni Zuva rokutsanya muunganidze vanhu Vagadzirire kuita ungano tsvene

3

Ndiani anoziva zvimwe Tenzi Mwari wenyu angachinja mwoyo wake achizokupai makamborero

4

Ipapo ndipo pamuchazopira kwaari zviyo newaini

Chorus

S/A Vashumiri vaMwari vanoshandira Tenzi ngavacheme vachinamata vachiti

Chorus

All Nzwirai vana venyu tsitsi, imi Tenzi Musarege dzimwe ndudzi dzichitizvidza nokutiseka Paya padzinenge dzichiti: Ko Mwari wavo arikupiko?

5

Kokerai vakuru vana navacheche vanoyamwa ngavauyewo

6

Kunyange vachangobva kuroorana ngavauyewo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.