G. Gondo
Chorus
M: Kupinduka kwaPauro achienda Dhamasiko V: All Akati ari parwendo Sauro, ava pedyo neDhamasiko, akasangana nechiedza chikamupenyera Part 1
1
Sauro akawira pasi, akanzwa izwi richiti
2
Iye akati ndimi aniko Tenzi, izwi riya ndokuti ndini Jesu waunotambudza
3
Asi chisimuka upinde muguta, ndimo mauchandoudzwa zvaunofanira kuita
4
Akaita mazuva matatu asingaoni, asingadyi uye asinganwi chinhu
5
Ananiyasi mudzidzi akati, hama Sauro Tenzi Jesu, akandituma kuti uonezve ugarwe naMweya Anoera
6
Akaisa maoko ake pamusoro paSauro, akabva atangisa kuona, akasimuka akabva aombekwa
Chorus
S/A Sauro unonditambudzireiko-o, Sauro unonditambudzireiko-o, unonditambudzireiko Sauro B Unonditambudzireiko Sauro-o, unonditambudzireiko Sauro-o, Sauro, unonditambudzireiko Sauro Part 2
7
Tenzi vakati, iye mudziyo wangu wandakasarudza
8
Akaparidza Jesu mudzimba dzokusangana dzavaJudha, achiti Jesu mwanakomana waMwari, uye kuti ndiye Kristo
9
Vakarangana kuti vamuuraye Sauro, asi kurangana kwavo kwakazivikanwa naye
Chorus
S/A Zvino imi chizivai kuti, mashoko aMwari oruponeso akatumirwawo kuvanhu vasiri vatendi, ivo ndivo vachateerera mashoko, mashoko oruponeso B --- Imi chizivai kuti, mashoko aMwari oruponeso akatumirwawo kuvanhu vasiri vatendi, ivo ndivo vachateerera mashoko, mashoko oruponeso
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.