J. Makaure
Chorus
M: Kwaziwai Maria V: All Kwaziwai Maria makakomborerwa Maria Mambo anemi makakomborerwa pakati pavakadzi
1
Rumbidzai imi varanda vaMwari, rumbidzai zita raMwari
2
Kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira, zita raMwari rinofanira kurumbidzwa
3
Mwari ari kumusoro kwamarudzi ose, nembiri yake kumusoro kwokudenga
4
Ndianiko akafanana naMwari Mambo wedu, anozvidukupisa kuti aone denga nepasi
5
Anosimudza murombo abve muguruva, nomushaiwi anomumutsa abve padurunhuru
6
Anomugarisa pamwe chete namachinda, iwo machinda avanhu vake
7
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba kuti ave mai vanofara navana
Chorus
S/A Mambo anemi kwaziwai Maria makakomborerwa Maria Mambo anemi B Mambo anemi kwaziwai Maria makakomborerwa Mambo anemi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.