A. Shamu Maurunge
Chorus
M Kwaziwai Mariya.... V: All Mambo anemi, makakomborerwa pakati pavakadzi.... M Mambo anemii V: All Anemii, makakomborerwa pakati pavakadzi x2
1
Rumbidzai imi varanda vaMambo, rumbidzai zita raMwari
2
Kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira, zita raMwari rinofanira kurumbidzwa
3
Mwari ari kumusoro kwamarudzi ose, nembiri yake kumusoro kwokudenga
4
Ndianiko akafanana naMwari Mambo wedu, anozvidukupisa kuti aone denga nepasi
5
Anosimudza murombo kubva muguruva, nomushaiwi anomumutsa abve padurunhuru
6
Anomugarisa pamwe chete namachinda, iwo machinda avanhu vake
7
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba kuti ave mai vanofara navana
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.