G. Gondo
Chorus
M: S/A Makavandika Yesu, munondida V: S/A Makavandika Yesu, munondida, mozvipa nyama neropa ndoshamiswa-a, makavandika munondida. B --- Makavandika Yesu munondida, mozvipa nyama neropa ndoshamiswa Yesu makavandika munondida-a-a.
1
Mwari wangu zvipo zvenyu zvotapira, zvipo zvenyu zvonakira kana nhamo kana rufu rwava pedyo-o.
2
Iye mukuru musande wamasimba, wazviisvodukupisa muhostiya-a.
3
Rupenyu rwose rwakabva kwamuri nechido chenyu, munogara mukamba aka-aa
4
Huyai – huyaizve kwandiri mundidyise ndotarisira nokuda ndimi moga-a-a.
Chorus
S/A Mwari wangu mwoyo wangu wokotama, handi chingwa ndimi chete ndotendera – Mwari wangu mwoyo wangu, wokotama-a-a. B Mwari wangu, mwoyo wangu, wokotama, handi chingwa ndimi chete Mwari ndotendera-a mwoyo wangu wokotama.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.