Bhaibheri

Mambo Chingwa Chamunopa

Catholic · Nziyo · 284

M. Mukucha

Chorus

M: S/A Mambo chingwa chamunopa Chingwa chamunopa V: S/A Chinopa upenyu kuvanhu vose-e Chamunopa chingwa chinopa upenyu kuvanhu vose B: Chamunopa chingwa chamunopa-a chinopa upenyu kuvanhu vose

1

Vakakomborerwa vane nzira yakarurama,vanofamba mumurau waMambo, chingwa chamunopa

2

Vakaropafadzwa vanochengeta mitemo yake, vanomutsvaga nomwoyo wose, chingwa chamunopa

3

Akatiraira zvirevo zvake kuti uzvichengete zvakanaka, chingwa chamunopa

4

Vakarurama havaiti chinhu chisina kururama vanofamba munzira dzake, chingwa chamunopa

5

Haiwa dai nzira dzangu dzaigadzirirwa kuchengeta mitemo yake, chingwa chamunopa

6

Handingakundwi nokusingaperi kana ndichirangarira mirairo yake yose, chingwa chamunopa

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.