Bhaibheri

Mambo Imi Makatisika

Catholic · Nziyo · 285

R. Tonganai

Chorus

M: S/A Mambo imi makatisika V: S/A Imi Mambo --- imi-i makatisika mukatiisa panyika kuti tigare norugare nokufara pamwe semhuri imwe inokufadzai. Bvisai zvose bvisaai zvosehe zvinoda kutitsausaha, tipeiwo kuwirirana kuwiriraana ha pakati pedu. B Mambo imi makatisika mukatiisa panyika kuti tigare norugare nokufaraha semhuri imwe inokufadzai. Bvisai zvose, bvisai zvosehe zvinoda kutitsausaha, tipeiwo kuwirirana kuwiriranaha pakati pedu.

1

Kunyange kukava nokugumbuusanaa dzimwe nguva, tipeiwo runzwisisoho

2

Kuti tigone kuregereraanaha nokuchimbidza, tipeiwo runzwisisoho

3

Kana pavavakidzani pane chidoo imi munovaa pakati pavo.Tipeiwo runzwisisoho

4

Pasina kuwiriranaa imi hamupo Mambo wedu. Tipeiwo runzwisisoho

5

Mambo weduu tipeiwo kufambidzana kwakanaka zvikuru kufambidzanaha kunotisvitsa kwamuri kudenga. Tipeiwo runzwisisoho

Chorus

All Bvisaai zvose bvisaai zvosehe zvinoda kutitsausaha tipeiwo kwirirana kuwiriranaha pakati pedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.