Bhaibheri

Mambo Imi Mwari

Catholic · Nziyo · 286

J.V. Chinondo

Chorus

M:S/A Mambo imi Mwari Mwari imi V: S/A Makasika denga napasi mukavaka munhu nezvinhu zvose zviri munyika Imi Tenzi makafemerawo mweya wenyu mazviri kuti zvose izvi zvirarame B/T --- Denga napasi mukavaka munhu mukavaka munhu nezvinhu zvose zviri munyika, Tenzi mweya wenyu makafemerawo mweya wenyu mazviri zvose zvose izvi zvirarame

1

Mweya Mambo wainge uchidzengereka pamusoro pemvura

2

Ndimi moga Mambo ndimi mune hukuru husina mugumo

3

Makaparadzanisa chiyedza nerima Mambo mukatizve nguva ngadzivepo

4

Makaparadzanisa mvura nemvura Mambo zvikavawo nyika negungwa

Chorus

All Ndimi moga mukuru Mambo ndimi moga nyakusika denga napasi Mambo hakuna mumwe kunze kwenyu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.