Bhaibheri

Mambo Ini Ndinokurumbidzai

Catholic · Nziyo · 288

C. Takura

Chorus

M Mambo ini ndinokurumbidzai V: S/A Ndinokurumbidzai Mambo nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera, Mwari, unopemberera Mwari muponesi wangu, ndinokurumbidzai Mambo, nomwoyo wangu wose B Ndinokurumbidzai Mambo, nomwoyo wangu wose, unopemberera, unopemberera, muponesi wangu, ndinokurumbidzai Mambo, nomwoyo wangu wose

1

Ini ndinokurumbidzai Mambo nomwoyo wangu wose, nokuti wakatarisa netsiye nyoro muranda nhando wake

2

Chionai kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi, nokuti Samasimba wakandiitira zvinhu zvikuru zita rake rinoera

3

Anonzwira tsitsi avo vanomutya kubvira chizvarwa nechizvarwa

4

Anoita zvinamasimba noruoko rwake anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo

5

Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo achisimudzira vanhu nhando

6

Vanenzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka vapfumi anovaendesa vasina

7

Wakabatsira Israeri muranda wake sezvaakatsitsidzira madzibaba edu

8

Akayeukawo tsitsi dzake kunaAbrahama nokuna vedzinza rake misi neisingaperi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.