Bhaibheri

Mambo Kristo Tinokurumbidzai

Catholic · Nziyo · 294

D.T. Zavazava

Chorus

M: Mambo Kristo V: All Tinokurumbidzai, tinokuomberai mununuri

1

Ndimi Mambo waIsraeri nomwanakomana waDavidi

2

Ndimi Mambo makauya muzita raMwari Baba

3

Vangere vari kukuimbirai kuuzuru

4

Vanhu vose nezvisikwa zvose zviri kubvuma

5

VaHeburu vakakupembererai namashizha

6

Tinokupembererai isu nenziyo dzedu

7

Vakakupembererai musati matambudzika

Chorus

All Hosana imi makaomberwa navadiki

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.