Bhaibheri

Mambo Mwari Ngaarumbidzwe

Catholic · Nziyo · 311

W.C. Ringisai

Chorus

M: Mambo Mwari ngaarumbidzwe V: S/A Mambo Mwari ngaarumbidzwe nokuti wakashanyira wakashanyira vanhu vake-e kuzovanunura Mambo Mwari ngaarumbidzwe – wakashanyira vanhu vake-e kuzovanunura B Mambo Mwari ngaarumbidzwe wakashanyira-a vanhu vake-e kuzovanunura Mambo Mwari ngaarumbidzwe nokuti wakashanyira-a vanhu vake-e kuzovanunura

1

Mambo Mwari waIsireri ngaarumbidzwe nokuti wakashanyira vanhu vake kuzovanunura netsitsi dzomoyo munyoro waMwari

2

Ndizvo zvakaatsidzira nemiromo yavasande vake vechinyakare vaiporofita netsitsi dzomoyo munyoro waMwari

3

Kutinunura kumhandu dzedu nomumaoko avose vanotivenga netsitsi dzomoyo munyoro waMwari

4

Nokunzwirawo madzibaba edu tsitsi achiyeuka chitenderano chake chinoera netsitsi dzomoyo munyoro waMwari

Chorus

S/A Wakatimutsira mununuri ane simba-a vanyakugara murima nomumumvuri worufu kuti azopinza tsoka dzedu munzira inoenda kurugare-e B --- Wakatimutsira mununuri ane simba-a vkuzovhenekera gara murima nomumumvuri worufu – azopinza tsoka dzedu inoenda kurugare-e

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.