L.P. Maphosa
Chorus
M Mambo Mwari wangu V: S/A Mazvipa kuneni pauzima chitarisai Mambo ini ndinozvipirawo kwamuri ndinokupai kufunga kwangu namabasa angu ose B Mazvipa kuneni pauzima Mambo --- tarisai --- Mambo --- ndinozvipirawo ndinokupai kufunga kwangu namabasa angu ose
1
Munezvi zvose zvandinoti ndinokupai hazvisiri zvangu ndezvenyu
2
Mambo muna masimba ose gamuchirai nengoni mupiro wangu ini muranda wenyu
3
Nyangwe ndiri murombo zvangu ndinoda kukupai chipo kuti ndikufadzeyi
4
Chipo changu ndechichi ndini ini ndava wenyu
5
Itai kuti ndikudei imi chete ndikushandirei imi navanhu vose
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.