A.B. Muzividzi
Chorus
M: Mambo ndimi mvura yechitubu V: All Mambo ndimi chitubu chezvikomborero zvose – hakuna mumwezve kudaro nyota yomweya wangu – Mambo inopedzwa nemi chete
1
Ini pachangu hapana chandingagona kuita asi ndichibatsirwa nemi Mambo hapana chandingaita
2
Mwoyo wangu ungazopisa uchisuwira imi misi yose yorupenyu rwangu
3
Mambo vesai moto wechido mumwoyo mangu – Mambo ndimi mvura mvura yechitubu
Chorus
All Mvura yechitubu inoti tonho ichipedza nyota mvura yechitubu inopedza nyota yomuviri chete
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.