J.K. Dzingai
Chorus
M: Mambo ndiye mufudzi wangu V: S/A Hapana chandingashaiwa, Mambo ndiye mufudzi wangu, ndiye mufudzi, ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashaiwa B/T Mambo ndiye mufudzi wangu, mufudzi wangu, Mambo ndiye mufudzi, ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashaiwa
1
Anondiradzika pasi pamafuro manyoro anondisesedza pamvura inozorodza
2
Unyoro norunako zvichanditevera, anoponesa mweya wangu
3
Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake
4
Kunyangwe ndikafamba mumupata werima, handingatyi, nokuti iye aneni
5
Tsvimbo yake inondinyaradza anondigadzirira dara pamberi pavavengi vangu
6
Akazodza musoro wangu mafuta mukombe wangu unopfachuka
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.