F. Hwariva
Chorus
M: Mambo pachake ndiye rugare rwedu V: S/A --- Ndiye --- ndiye-e akaita marudzi ose kuti ave rudzi rumwe chete. B Mambo pachake --- rugare rwedu --- akaita marudzi ose --- ave rudzi rumwe chete.
1
Pururudzirai Mambo nyika dzose muitirei Mambo norufaro.
2
Uyai pamberi pake muchiimba nokufara.
3
Zivai kuti Mambo ndiye Mwari ndiye akatiita.
4
Tiri rudzi rwake makwai edanga rake.
5
Pindai pamasuwo ake muchitenda.
6
Rumbidzai zita rake muchiti mazviita.
Chorus
S/A Chokwadi Mambo akanaka kwazvo rudo rwake ruzere netsitsi akatendeka kumarudzi namarudzi. B Chokwadi Mambo akanaka kwazvo rudo-o ruzere netsitsi akatendeka kumarudzi namarudzi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.