Bhaibheri

Mambo Tinokutendai

Catholic · Nziyo · 351

A. Chifana

Chorus

M: Mambo tinokutendai V: S/A Tinokutendai Mambo tinokupai mupiro wedu, Mambo tinokutendai B Tinokutendai Mambo Mwari tinokupai mupiro, Mambo tinokutendai

1

Mabasa enyu mazhinji kwazvo makaaita ose nenjere

2

Zvipenyu zvose zvinokumirirai kuti muzvipe zvekudya nenguva yakafanira

3

Munotambanudza ruoko rwenyu Mambo vanhu vose ndokugutswa

Chorus

S/A Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mambo ngaafarire mabasa ake B Ngaigare nokusingaperi Mwari mabasa ake

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.