J. Makaure
Chorus
M: Mambo tinovimba nemi V: All Tinovimba nemi Mambo tipeiwo rugare Mamboo tinovimba nemi tipeiwo rugare
1
Uti kuna Mambo Mwari
2
Nokuti ndiye anokusunungura kuzviteyo zvomuvhimi, anokuporesa pahosha dzinouraya zvikuru
3
Ndiyewo anokufukidza neminhenga yake, kuti ugotizira pasi pamapapiro ake
4
Kutendeka kwake inhovo yako, haufaniri kutya zvinobvundisa zvousiku
5
Nokuti diziro rako ndiMambo, wakamuita nhare yako
6
Hapana chakaipa chingakuwira, matambudziko haachadzokeri kumba kwauri
7
Nokuti iye akaraira vangere vake kuti vakungwarire
8
Ivo vachakubata namaoko avo kuti urege kugumburiswa rutsoka rwako nebwe
9
Mwari achiti: zvaanondinamata ndichamuporesa ndichamurwira zvaanoziva zita rangu
Chorus
All Ndimi utiziro hwangu nenhare yangu Mwari wangu wandinovimba naye
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.