L. Kaseke
Chorus
M: Mambo wangu Yesu makandifira Part 1: S/A Mambo wangu Yesu makandifira-ha makandifira pachipiyaniso, ndinoda kurega kutadza chose, ndinoda kureega kutadza chose B Mambo wangu Yesu makandifira-ha makandifira pachipiyaniso --- kurega kutadza chose, ndinoda kurega kutadza chose Part 2: S/A Ndinokumbira kuti mundinzwireiwo tsitsi mundiregerereiwo ndakatadza-a, ndinofanira kurangwa Mambo wangu x2 B Ndinokumbira, mundinzwireiwo tsitsi mundiregerereiwo ndakatadza, kurangwa Mambo wangu x2 Part 3: All Makandisarudza kuti ndive wenyu asi ndakatiza nokuita zvakaipa, ndiitireiwo tsitsi Mambo x2
1
Baba vokudenga ndiri mwana wenyu munondiitira zvakanaka nguva dzose
2
Makanditamburira muri pachipiyaniso makandida kusvikiwo kurufu
3
Ndakakutadzirai nokukutsamwisai ndinopfidza matadzo angu ose Mambo
4
Ndinoda kugara nokufira mamuri mundidzoserezve mufaro wevana vaMwari Amen
Chorus
S/A Ndipeiwo simba raMweya Musande ndirege kutizazve, ndigare mamuri nokufira mamuri, handichadi kutadza pakare B: --- Simba raMweya Musande, ndirege kutizazve, ndigare mamuri --- mamuri, handichadi kutadza pakare
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.