Z.C. Terere
Chorus
M Mambo Yesu Kristo ndinokupai V: All Mambo Yesu Kristo ndinokupai nhasi uno moyo wangu munondidana kuti muzvipire kunemi imi mudi nomuriritiri wemweya wangu
1
Houno Mambo moyo wangu uzere namatadzo asi pane kumwe here Mambo kwatingaende
2
Hapana kumwezve asi kunemi chete ndimi tsime renduramo nemusakisi wemufaro wedu
3
Makakurira rufu Mambo wangu ndinouya kwamuri Mambo noruvimbo ruzere
Chorus
S/A Ndingashaya zvangu pfuma dzose dzinofadza nyama asi ndichiwana imi zvinokwana zvinopfuura zvose B --- Zvangu pfuma dzose --- nyama --- ndichiwana imi zvinokwana zvinopfuura zvose
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.