Bhaibheri

Mbiri YaMwari Yapenya

Catholic · Nziyo · 433

H.M. Gambiza

Chorus

M: Mbiri yaMwari V: S Yapenya Alleluya yapenya pamusoro pedu mbiri yaMwari B: Yapenya-ha mbiri yaMwari yapenya pamusoro pedu

1

Vhenekera Yerusarema nokuti chiedza chako chakasvika

2

Rima rakafukidza nyikaa asi mbiri yaMwari yakaonekwa pamusoro payo

3

Marudzi achauya kuchiedza chakoo namadzimambo kumbiri yakabudirira

4

Mambo achava kwauri chiedza chisingaperi naMwari wako kunaka kwako

5

Zuva rako harichazovirii mwedzi wako haungatapudzwi

6

Nokuti Mambo achava kwauri chiedza chisingaperii naMwari wako kunaka kwako

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.