Bhaibheri

Meso Ose Anokumiririrai

Catholic · Nziyo · 436

A. Mafukidze

Chorus

M: Meso ose anokumirirai V: S/A Munovapa zvokudya Mambo zvokudya nenguva yakafanira Mambo meso ose anokumirirai B: Munovapa zvokudya zvokudya nenguva yakafanira Mambo meso ose anokumirirai

1

Ndichanzwa zvichataura Mwari Mambo wedu nokuti achataura rugare kuvanhu vake

2

Zviro kwazvo ruponeso rwake ruri pedyo kunavo vanomutya mbiri yake ichagara munyika yedu

3

Mwari achatipa zvinhu zvake zvakanaka nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo

4

Kururama kuchatitungamirira tsoka dzedu nzira

5

Ngoni nezvokwadi zvichasangana kururama norugare zvichakwazisana

6

Mambo achasunungura vasungwa vedu vari mugomba risine mvura

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.