Bhaibheri

Mufananidzo WomuSamariya Wakanaka

Catholic · Nziyo · 456

R. Tonganai

Chorus

M: Mufananidzo womuSamariya wakanaka V: S/A MuSamariya akanga ari parwendo rwake akaona mumwe munhu akanga apondwa namakororo akamutorera nguvo dzake asi muSamariya akamunzwirawo tsitsi B --- Akanga ari parwendo rwake akaonawo mumwe munhu akanga apondwa namakororo akamutorera nguvo dzake asi muSamariya akamunzwira tsitsi

1

MuSamariya akamupombera mavanga akaadira mafuta nehwaini

2

MuSamariya akamukwidza pachipfuwo chake ndokumuisa kumba kwavayeni

3

MuSamariya akabudisa madhinare maviri akaapa mwene weimba akati muchengete

4

MuSamariya akati kana zvose zvaunenge wamuitira kupfuura izvi ndichakupazve

5

MuSamariya akati ndichakupazve kana ndadzoka

Chorus

S/A Newevoho enda undoita saizvozvo enda undoita-ha enda undoita saizvozvo B Newevoho enda undoita saizvozvo endaha endaha enda undoita saizvozvo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.