Bhaibheri

Mufudzi Wangu Mambo

Catholic · Nziyo · 459

J.K. Dzingai

Chorus

M: Mufudzi wangu Mambo V: S/A Ndiye mufudzi wangu Mambo, hapana chandingashaiwa Mambo, Mambo ndiye mufudzi wangu Mambo, hapana chandingashaiwa Mambo, hapana --- chandingashaiwa T Mufudzi wangu Mambo, hapana chandingashaiwa, mufudzi wangu, hapana chandingashaiwa, hapana chandingashaiwa B Mufudzi wangu Mambo, hapana chandingashaiwa, mufudzi wangu, hapana, hapana chandingashaiwa, hapana chandingashaiwa

1

Anondiradzika pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura, inozorodza

2

Unyoro norunako zvichanditevera, anoponesa mweya wangu

3

Akazodza musoro wangu mafuta, tsvimbo yake inondinyaradza anondigadzirira dara pamberi pavavengi vanhu

Chorus

S/A Kunyangwe ndikafamba mumupata werima, handingatyi nokuti iye Mambo iye aneni. Iye Mambo iye Mwari Mambo Mwari aneni B/T Ndikafamba mumupata, werima, handingatyi Mambo aneni Mambo Mwari, Mambo, Mwari aneni

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.