V.M. Nyapokoto
Chorus
M: Muri kwose kwose Mambo V: S/A Ndinofara kwazvo-o pamusana pokuti --- muri kwose kwose B --- Ndinofara kwazvo-o --- pokuti imi Mambo-o muri kwose kwose
1
Ndinogona kukuwanai kwose kwandinenge ndiri, munenge muneni muchindichengeta
2
Munogara pedyo neni kuti mundibatsire, imi Mwari wangu, Mambo wangu
3
Munhu anokudai nomwoyo wose, anokuwanai kwose kwaanoenda
4
Hapana munhu anogona kuzviparadzanisa nemi, nokuti munhu pachake akabatwa noruoko rwenyu
Chorus
S/A Zvino chindipai mwoyo unokutyai, unoda kukuitirai mbiri yenyu yokudenga B --- Zvino chindipai --- unokutyai --- unoda kukuitirai yokudenga
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.