J. Makaure
Chorus
M: Muwani wouya budai mumuchingamidze V: S/A Wouya muwani wouya mumuchingamidze muwani wouya budai mumuchingamidze B Wouya muwani wouya muwani mumuchingamidze muwani wouya budai mumuchingamidze
1
Vane ropa rakanaka avo vane nzira yakarurama, vanofamba mumurau waMwari
2
Vanomutsvaga nomwoyo wose havaiti chinhu chisina kururama
3
Mweya wangu unopanga kuponeswa kwenyu asi ndinotarira shoko renyu
4
Meso angu apera nokutsvaga shoko renyu shoko renyu rakarurama
5
Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu mundidzidzise mitemo yenyu
6
Ndinoda mirayiro yenyu kupfuura ndarama zvokwadi, kupfuura ndarama yakaisvonaka
7
Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu nokuti mirairo yose yakarurama
8
Ruoko rwenyu ngarundibatsire nokuti ndakatsanangura zvirevo zvenyu
Chorus
All Mwoyo wangu ngaururamise pamitemo yenyu Mambo kuti ndirege kukundwa
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.