Bhaibheri

Muwani Wouya

Catholic · Nziyo · 511

J.K. Dzingai

Chorus

M: Muwani wouya V: S/A Vane ropa rakanaka muwani wouya, budai muwani wouya mumuchingamidze muwani wouya B/T Muwani budai mumuchingamidze muwani wouya, mumuchingamidze muwani wouya

1

Vanomutsvaga nomwoyo wose havaiti chinhu chisina kururama

2

Mweya wangu unopanga kuponeswa kwenyu asi ndinotarira shoko renyu

3

Meso angu apera nokutsvaga shoko renyu neshoko renyu rakarurama

4

Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu mundidzidzise mitemo yenyu

5

Ndinoda mirayiro yenyu kupfuura ndarama zvokwadi, kupfuura ndarama yakaisvonaka

6

Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu nokuti mirairo yose yakarurama

7

Ruoko rwenyu ngarundibatsire nokuti ndakatsanangura zvirevo zvenyu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.