E. Musungo
Chorus
M: Baba vokudenga vanoziva-ha V: S/A Musazvidya moyo muchiti tichadyei tichamwei kana tichapfekei Baba vokudenga vanoziva kuti zvose munozvidawo B Musazvidya moyo muchiti tichamwei tichapfekei Baba vokudenga vanoziva zvose munozvidawo-o
1
Tarirai shiri dzedenga hadzidyari uye hadzikohwi.
2
Ko ndiani angarebese hupenyu hwake nokuzvidya moyo.
3
Ongororai makuriro amaruva esango haabati basa haaruki.
4
Asi kunyange Soromoni pahukuru hwake haana kumboshongedzwa seruva resango.
5
Hakuna munhu angashandira vaTenzi vaviri hamungashandiri Mwari kana mari.
6
Kutangira zvose tsvakai humambo hwaMwari.
Chorus
S/A Hupenyu hukuru pane chokupfeka hupenyu hukuru pane zvokudya nokunwa B Musati togodyei – togonwei hupenyu hukuru pane zvokudya nokunwa
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.