N. Muchenu
Chorus
M: Baba yeukaiwo mufudzi wedu V: S/A Mwari-i, makasarudza Sekuru (zita), kuti vafudze hwai dzenyu Makavapa zvipo zvakawanda, vakava chiedza munyika nomusango rose Tinokutendai Baba nechipo chomufudzi akadai, ngavazorore murugare netsiti dzenyu B Mwarii Baba, makasarudza Sekuru (zita), kuti vafudze hwai dzenyu Makavapa zvipo-o, vakava chiedza munyika nomusango rose Tinokutendai - nechipo chomufudzi, ngavazorore - netsiti dzenyu
1
Vakadzidzisa kuzviriritira, kuchengeta nherera, navose vari muushayi
2
Kirike sande zvazviri sakaramende, mairi mune hova nomwe dzinoponesa nokuwadzanisa vanhu naMwari. Vakatidzidzisa izvi Sekuru
Chorus
S/A Vapeiwo mubairo, webasa ravakabata, mabiko edenga ataigarodya navo Avape mifaro yedenga, yamakavatsidzira, isu sangano, ichaenda mberi Takamirira kudzoka kwaYesu, tiine chivimbo nechitarisiro chokuti, Tichasangano ikoko B Musikavanhu, vapeiwo zororo, mabiko ataidya navo Avape mifaro yedenga, yamavatsidzira, isu sangano, tichaenda mberi Takamirira kudzoka kwaYesu, tiine chivimbo nechitarisiro chokuti Tichasangano ikoko
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.