I.N. Chabata
Chorus
M: S/A Mwari akanaka, tendai Mwari V: S/A Mwari Tenzi akanaka, rudo rwake runoramba ruripo nariini, ndakadaidzira kwaari mukutambudzika kwangu, akandinzwa akandinunura, tendai Mwari, rudo rwake ruripo nariini. B Mwari akanaka Mwari akanaka Mwari akanaka ndakadaidzira kwaari akandinzwa Mwari akanaka rudo rwake ruripo nariini
1
Mwari ari parutivi rwangu hapana chandinotya
2
Ko munhu angandiiteiko Mwari ari parutivi rwangu
3
Mwari anondibatsira nokuti ari parutivi rwangu
4
Vanhu vose imbai muchiti Mwari akanaka
5
Ndichaona kukundwa kwadhiyabhori
Chorus
S/A Zviri nani kutizira kuna Mwari pane kuvimba navanhu, Mwari akanaka rudo rwake ruripo nariini. B --- Kutizira kuna Mwari kuna Mwari, pane kuvimba navanhu --- rudo rwake ruripo nariini
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.