Bhaibheri

Mwari Baba Tipeiwo Simba

Catholic · Nziyo · 551

Br L. Bvukumbwe

Chorus

M: Mwari Baba tipeiwo simba V: All Mwari Baba tipeiwo simba rokuti tirambe tichifunga rupenyu nokufa nokumuka muvafi kwaMambo wedu Yesu Kristo – nokuti izvi ndizvo zvatinorangarira nguva dzose yatinonamata rusariro rwaamai vedu Maria muvirigo musande

1

Uyezve tinokumbirawo simba rokutevera gwara raMambo kuti tigowana makomborero aakatitsidzira

2

Kristo Mambo wedu tisvitsireiwo izvi kunemi

Chorus

All Nokuti izvi ndizvo zvatinorangarira nguva dzose yatinonamata ruasariro rwaamai vedu Maria muvirigo musande

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.