A. Chamunorwa
Chorus
M: Mwari Baba vedu V: S Mwari Baba-ha tinoteterera, Baba Mwari wedu tinoteterera zaruriraiwo denga mwana wenyu uyu B Mwari Baba zaruriraiwo denga mwana wenyu uyu – Baba tinoteterera zaruriraiwo denga mwana wenyu uyu
1
Kutadza ndokwevanhu Mambo tiri vana venyu tinzwei, mukati mutiramwe Mambo, nhamo dzingadurikaidzane.
2
Tingazive kwaanikowo mukatirasa Mambo, makatisika ndimi Mambo motongoramba muinesu.
3
Havangaseki here Mambo mukatiramwa imi, nyadzisai vavengi vedu munzwe chichemo chedu Mambo.
4
Ngaachifara mwana wenyu mumuzinda wenyu wedenga, mwana wenyu achizorora, agare achitonhorerwa
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.