Bhaibheri

Chiedza Chingawirirana Seiko Nerima

Catholic · Nziyo · 57

R.A. Augusto

Chorus

M: S/A Chiedza chingawirirana seiko-o nerima V: S/A Ko kururama - seiko uyezve munhu imba yaMwari-i sokutaura iye iye achiti (x2) B/T --- Kungabatanidzana-a nezvisakarurama anotenda mupenyu kwaakaita iye Mwari achiti, Mwari achiti (x2) S/A/T Musabata chinhu chakan'ora kuitira kuti ini ndigokugamuchirai (x2) B Musabata musabata musabata kuti ini gamuchirai (x2)

1

Ndichagara mavari ndichagara ndichifamba ndichifamba mukati mavo.

2

Ndichava Mwari wavo-o naivawo vachava vanhu vangu.

3

Saka zvino imi chibvai mabuda mukati mavo muzvitsaure ndizvo zvinotaura Tenzi.

4

Musabata chinhu chakan'ora kuitira kuti ndigokugamuchirai.

5

Ndichava Baba venyu nemiwo muchava vanakomana vangu navanasikana vangu.

Chorus

T Zvino vadikanwa zvipikirwa zvakadai uyai tizvichenure-e zvinon'oresa-a titsvake nokudawo kokugara nokuda-a tichitya Mwari A Vadikanwa zvipikirwa zvakadai uyai tizvichenure-e zvinon'oresa-a titsvake nokudawo kokugara nokuda-a tichitya Mwari S/B Zvatine zvipikirwa zvakadai chiuyaiwo pana zvose muviri nomweya kuva vanhu vatsvene nokudawo kokugara nokuda-a tichitya Mwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.