Bhaibheri

Chiiko Chingatiparadzanisa Norudo RwaMwari

Catholic · Nziyo · 58

W.S. Chirove

Chorus

M: S/A Chiiko chingatiparadzanisa norudo rwaMwari V: All Kungava kutambudzika here kuvengwa – nhamoho – kana kuti rufu M: S/A Tingaparadzaniswa neiko norudo rwaMwari? V: All Ingava nzara here, kushaiwa zvekufuka, kurwara nokurwarirwa-a kana kuti rufu

1

Kunyange rufu kana kutambudzika hazvingatiparadzanisi norudo rwaMwari

2

Kunyange nhamo kana kuvengwa hazvingatiparadzanisi norudo rwaMwari

3

Kunyange nzara kana kurwarirwa hazvingatiparadzanisi norudo rwaMwari

4

Kunyange kurwara kana kushaiwa zvekufuka hazvingatiparadzanisi norudo rwaMwari

5

Kunyange zvazvino kana zvinouya hazvingatiparadzanisi norudo rwaMwari

Chorus

S/A Kwete kwete kwe-te pazvinhu – izvi zvo-se tiri vakundi – kupfuurisa nokuna iye wakatida – nokuna iye Yesu Kristo B --- Kwete kwete kwee-te pazvinhu izvi zvo-se tiri vakundi kupfuurisa nokuna iye wakatida, nokuna iye Yesu Kristo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.