Fr B. Mukumba
Chorus
M: S: Mwari Mambo tambirai V: S/A Tambirai mwana wenyu, tambirai mwana wenyu, mugare naye misi yose. B --- Munzwireiwo tsitsi Mambo, mumutore mugare naye, mwana wenyu misi yose
1
Mambo mukayeuka zvivi, angasarangwa ndianiko.
2
Munzwireiwo tsitsi Mambo mumutore mugare naye.
3
Muregerere-iwo Mambo zvitema zvake zvose zvose.
4
Mwana ndowenyu uyu Mambo musamukande kwakadaro.
5
Tandirai vavengi kure vanoda kuti vamutore.
6
Ngaasvike kwamunogara kuupenyu husingaperi.
7
Kanganwai zvitema zvake achifara nemi narini.
8
Mupeiwo rugare rwenyu chiedza chimuvhenekere.
9
Kristo imi makamufira muchingurei nhasi uno
10
Apinde mudenga mamuri sezvakaita mbavha iya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.